Genesis 25

Kufa kwaAbhurahama

1Abhurahama akawana mumwe mukadzi, zita rake ainzi Ketura. 2Akamuberekera Zimurami, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua. 3Jokishani akabereka Shebha naDhedhani; zvizvarwa zvaDhedhani zvakanga zviri vaAshuri, vaRetushi navaReumi. 4Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Vose ava vakanga vari zvizvarwa zvaKetura.

5Abhurahama akasiya zvinhu zvose zvaakanga anazvo kuna Isaka. 6Asi paakanga achiri mupenyu akapa zvipo kuvanakomana vavarongo vake uye akavabvisa pamwanakomana wake Isaka akavaendesa kumabvazuva.

7Pamwe chete, Abhurahama akararama makore zana namakumi manomwe namashanu. 8Ipapo Abhurahama akabudisa mweya wake akafa akwegura kwazvo, ava mutana uye ava namakore mazhinji; uye akasanganiswa navanhu vake. 9Vanakomana vake Isaka naIshumaeri vakamuviga mubako reMakapera pedyo neMamure, mumunda waEfuroni mwanakomana waZofa muHiti, 10munda wakanga watengwa naAbhurahama kubva kumuHiti. Ndimo makavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara. 11Shure kwokufa kwaAbhurahama, Mwari akaropafadza mwanakomana wake Isaka, uyo akagara pedyo neBheeri Rahai Roi.

Vanakomana vaIshumaeri

12Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, iye Ishumaeri, akaberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita, murandakadzi waSara.

13Aya ndiwo mazita avanakomana vaIshumaeri, akanyorwa muurongwa hwamaberekerwo avo:

Nebhayoti dangwe raIshumaeri,
Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami,
14Mishima, Dhuma, Masa,
15Hadhadhi, Tema, Jeturi,
Nafishi naKedhema.

16Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri, uye aya ndiwo mazita avatongi gumi navaviri vamarudzi maererano namagariro avo nemisasa yavo.

17Pamwe chete, Ishumaeri akararama makore zana namakumi matatu namakore manomwe. Akabudisa mweya wake akafa, akasanganiswa navanhu vake. 18Zvizvarwa zvake zvakandogara munzvimbo yaibva kuHavhira kusvikira kuShuri, pedyo nomuganhu weIjipiti, kana munhu achienda akananga kuAshuri. Uye vakagara vachipesana nehama dzavo.

Jakobho naEsau

19Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, Isaka.

Abhurahama akabereka Isaka,
20uye Isaka akanga ava namakore makumi mana okuberekwa paakawana Rabheka mwanasikana waBhetueri muAramu, aibva kuPadhani Aramu uye ari hanzvadzi yaRabhani muAramu.

21Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba. 22Vana vakanga vachisundana mukati make, iye akati, “Seiko izvi zvichiitika kwandiri?” Saka akaenda kundobvunza Jehovha.

23Jehovha akati kwaari,

“Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako,
uye marudzi maviri achabuda mauri achaparadzana;
rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe,
uye mukuru achashumira muduku.”
24Nguva yokubereka kwake yakati yasvika, onei makanga muna vakomana vaviri muchizvaro chake. 25Akatanga kubuda akanga ari mutsvuku, uye muviri wake wose wakanga wakaita senguo ine mvere; saka vakamutumidza zita rokuti Esau. 26Shure kwaizvozvo, mununʼuna wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka.

27Vakomana vakakura, uye Esau akava mudzimba akachenjera, murume wesango, asi Jakobho akanga ari murume akanyarara, achigara pakati pamatende. 28Sezvo Isaka aifarira nyama yemhuka, aida Esau, asi Rabheka aida Jakobho.

29Rimwe zuva Jakobho paakanga achibika zvokudya, Esau akasvikopinda achibva kusango, aziya nenzara! 30Akati kuna Jakobho, “Dokurumidzawozve, undipewo zvimwe zvokudya zvakatsvukira izvo ndidye! Ndava kuziya nenzara!” (Ndokusaka akatumidzwawo zita rokuti Edhomu).

31Jakobho akapindura akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako.”

32Esau akati, “Tarira, ndava kuda kufa ini. Ko, udangwe huchandibatsirei?”

33Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho.

34Ipapo Jakobho akapa Esau chingwa nenyemba. Akadya uye akanwa, ipapo akasimuka akaenda.

Saka Esau akazvidza udangwe hwake.

Copyright information for SnaBDSC